Kurodha vhidhiyo
Mashoko akanyorwa
Shona (chiShona)
Kazhinji bhora rinogadzirwa nedehwe, rabha uye rinosonwa.
Harishamisiri.
Kune mabhora anosvika mamiriyoni munyika yega yega pasi pano.
Asi kana riri munhandare...
hapana chinokosha kuridarika.
Mutambi wese ari munhandare
anoda kuziva kuti riri papi chaipo.
Munhu wese munhandare ari kushevedzera nemufaro.
Vanokanganwa nezvenhamo dzavo,
nemhaka yebhora iri.
Mutambi paanowana bhora,
pfungwa dzake dzese dzinoperera pariri.
Kwaari, panguva ino,
hapana chimwe chinhu, kana mumwe munhu, akakosha kuridarika.
Havana basa nekuti zvinoda simba rakadini,
kana kuti vachazorwadziwa zvakadini pave pava.
Vachatovharidzira bhora racho nemiviri yavo pachavo kuti varichengetedze.
Pane chinhu chimwe chete chinofanira kuitwa...
...kupinza bhora parinofanira kuenda.
Chimwe chinhu chingangokushamisa ndeichi...
Ndiwo maonerwo aunoitwa na Jesu.
Jesu anoziva zvinhu zvese nezvako.
Uye anokugamuchira zvakadaro,
uye anoda kukuchengetedza nekukutarisira.
Jesu akatopa upenyu hwake pachake nekuda kwechinangwa chimwe chete,
akaperera zvachose...
kuitira kuti uende kwaunofanira kuenda...
Kumusha.
Naye.
Kwaunofanira kuva.
Panopera mutambo,
munhu wese anobuda munhandare.
Asi Jesu achakangomirira.
Iwewe.
Jesu anokuda.
Sarudzo ndeyako.
Rega auye newe kumusha.